Chitsauko Chinomwe
Tingabvuma kuti zvino itika kana kuti tozvireva tichiti hapana chinotadzisa kuti mvura inpinde muvhu, igoz o erera yava nzizi; onai dikita richi buda muganda kana kuti weti ichi pinda muitsvo. Zvinoonekwa muvanhu vanoenda vachinonwa mvura dzeku ma’Spa’ , fanika mumaruwa ekuPadua, kana kuti vanhu vanonwa mvura yakawanda chaizvo: zvinongo tora maawa mairi chete kuti mvura yese yanwira ibude yese seweti.
Ndiyani zvino wandinonzwa achiramba kuti hazvinga itike kuti ropa rese rino pinda nemumapapu, zvinoita muto wese we zvatinodya kuto unopinda nemuchiropa. Vanhu vakadai vanhu vanozoti, zvinhu zvavanoda kuti zviitike ndizvo vanoti ndizvi zvinoitika, asi kana usingade chakate, woramba kuti hazviitike. Vanotya kutaura pavanofanirwa kutaura, vasingatye kana viri zvenhando.
Unyama hwechitaka, hwakapakata chaizvi [kana itsvo zvakare], asi hwemapapu hwaka regereka huchiita kunge chiponji. Muchitaka ropa harina chisunda, asi mumapapu ropa rino sundwa nekurova kunoita moyorudyi, naizvozvo tsinga dzemo nemaburi anobva avhurwa ropa roerera. Uyezve, pakufema, kuvhuta kunoita mapapu anovhura achi vhara tsinga nemaburi emapapu. Chitaka chingo chinongo gara, hachi fututuke chichiserera kwete.
Vanhu vese vano bvuma kuti muto wese wechidyiwa unogona kupinda nemuchitaka kuti usvike kuvena cava muvanhu zvimwe chetezvo nemumombe kana dzimwe mhuka huru. Vanhu vese vanotozvibvuma izvi kuti vawane matsananguriro ekuti kudya kuwane kupinda mumuviri nekuti hapana imwe nzira yati yawanikwa. Sei zvino tikati zvimwechete nezvinoitika mumapapu, voramba? Colombo akanyatso penengura mafambiro angaita ropa neku, akarakidza kuti [mumunhu anenge azvarwa] tsinga dzemo, makuriro ne maumbirwo adzo, uye nekuzara kwaanoita neropa mutsingavheini-inenge-atari ne muventricle ye mufi rinofanira kunge ratobva kutsingavheini dzemumapapu, hapana imwe nzira. Izvi ndiro idi racho ratino bvuma isu kana iye Colombo.
Zvakune vamwe vanongo gutsikana nezvinenge zvarehwa neavo vano remekedzwa chete, ngava zive vese ava kuti idi iri rino gona kuonekwa mumazwi aGaleni ega pachake. Chokwadi ropa rino tevedza tsingaatari-inenge-vheini ichisvika mutsingavheini-inenge-artari kuti risvike kumoyoruboshe: izvi zvose zvino sakiswa ne kurova kunoita mwoyo nekuvhuta kunoita mapapu pakufema.
Papindiro retsingaatari-inenge-vheini pane mavharuvhu matatu anenge [] anodzivira chaizvo kuti ropa rinenge rapfuura richipinda muatari-inenge-vheini haridzoke makare mumwoyo. Zvino zivikanwa navo vose izvi, zvekuti Galeni akabva azvireva achitsanangura mashandiro awo mavharuvhu nekuti angadirwei. Kwese, anotaura iye Galeni, pane kudyidzana nekuvhurirana mukova pakati pemaatari nemavheini, anochinjana ropa nemweya achishandisa mikova midikidiki isingaoneke yakatetepa chaizvo.
Leave a Reply