Bikai mugo garika

 

 

Torai ivhu, rakaoma

momwaya mwaya, tumvura

chipfugamai, morinhuwidza

mochifema fema, hwembwa.

.

Ivhu rakaoma, kana guruva,

hupfu hwenyika, zvekuomesa

mukanwa ne huro, rikanyorova

rikaita mwamba, rine hwemha.

.

Torai hwema hwevhu, mofema

dzikisai  femo zvekuzadza diti

nyatsonzwai musoro kunyevenuka

ivhu nyoro, dhaga nyoro: munda.

.

Chitorai munda. Kwawakabva

kumbeu yemutangisirwa, yemuvambo

vanhu vakaringa kumusiki netariro

vabva vatanga kuti pamusha pamunda

.

Torai munda.Musaponde.

moisa dikita,  nenjere

mogozo sanganisa nerudo

mokonzongera ruzivo

muno kohwa budiriro.

.

Farai Madzimbamuto

Oct 2009

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out / Change )

Twitter picture

You are commenting using your Twitter account. Log Out / Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out / Change )

Google+ photo

You are commenting using your Google+ account. Log Out / Change )

Connecting to %s


%d bloggers like this: