Chikomo cheKgale

Kutsvaga utano

kwakwidza vazhinji

asi kuvana, mutambo

kukambaira pamatombo

nemapfeni ari kudzika

vanhu vachikwidza.

.

Kgale rine man’a

kutsemuka tsemuka

zvimwe imbare

zvarinogara rakanzi

nezuva chii, masikati ese

rodedera usiku nechando.

.

Harina kufanana

ne Dombwe kana Urungwe

ekwedu ane gumha;

zisoro chairo, huyo.

Kurikwira musvetu musvetu

kusvetuka hapwa dzematombo.

.

Kana uri pasi

unoona mutiro

agere pachipande paro Kgale

semunhari

muny’asi memureza

werunhare.

.

Pasi rino tambarara

guta guru reGaberone

richizvi gumha hope

vanhu ava vane rotswa.

vane makwidza avakananga.

.

Ukasa kwira pagomo

hauone zvirikure

pfungwa dzinogumira

mujinga rechikomo.

.

Farai Madzimbamuto

Sept 2009

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out / Change )

Twitter picture

You are commenting using your Twitter account. Log Out / Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out / Change )

Google+ photo

You are commenting using your Google+ account. Log Out / Change )

Connecting to %s


%d bloggers like this: