Kutambarara pano

 

Kutambarara kwaita hama yenyu pano

kwatambanudza ukama hwamunoona pano

Kuunganidza mese vedzimba dzakasiyana

Ini ndini n’anga muno mudandadziro

Ini ndisingaite zvefembero, ndiri muongorori

Ano tsoropodza zviitiko panjozi yese

Zvaitikira kunze kwechipatara

Tinotoudzwa nemi vangavaripo

Ndimi varidzi vezvitorenzvimbo

Zvaitikira muno hazvina hakata

Pachena, tinowaridza sebonde

Muchiona nemavende ese

Tino tsanangurirana dzamara…

.

Hama yenyu yatambarara

Musoro uku watsamira dombo

Mazondo uku ava huni muchoto

Zvitambo nezvichubhu zvichibaya

Zvino isa mushonga nezvinoita

Manzwira munyama nhete

Zvino bisa maraswa nezvinopa kudya

Kuti averengeke sebhuku

Muviri zvauri kuita nguva nenguva

Bapu rino furidzwa nekuti raremerwa

Mwoyo uka simbiswa waneta

Kana kukamaniswa wada kusarira

Unoti uko neuko setsuro yamutswa nembwa

Tino tenhera mudanga Sadza rekutimba , timbirai kumba

Pano ndepe gwatakwata chete chete

Rinopinda mudumbu ne pamhuno

Riri mukamuumbiridzwa kepuras’tiki

Muviri wemunhu chiumbwa here, kana chisikwa ?

Uno kanikika semotokari Uchirema sechierwa

.

Kana watambarara kudai, wanyangarara.

Saka kuuya kudai, kutandadzana naye

Nekutandaridzana varidzivake.

Hunhu hwemunhu vamwe vanhu,

Imi.

.

Farai Madzimbamuto

Kukadzi 2010

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out / Change )

Twitter picture

You are commenting using your Twitter account. Log Out / Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out / Change )

Google+ photo

You are commenting using your Google+ account. Log Out / Change )

Connecting to %s


%d bloggers like this: