Mavirazuva

 

kumirira mamivira

kuona vhunze piriviri

richipinda mudziva

.

rufuse rukangarwe

mudenga nyangarara

kuibva kubva kwava kudoka

kumiririra mazuvarodoka

kugaririra mamedzo

eSikati ne Siku

.

dima, pfikira zuva muhodzeko

tozo nanzvira takokwa neroto

parino tanga kutsvukisa zvekare

mbiya hwidibiro, nhandare yaro zuva.

.

mirai vanomirira

mubatwe nekatonho

keufi pano tsinzinya ziso

richisiya muzvezve weuoni.

mamara maranzu anotsvukisa

rihwa, kuda kubatisa upenyu.

 .

Farai Madzimbamuto

Nyamavhuvhu 2009

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out / Change )

Twitter picture

You are commenting using your Twitter account. Log Out / Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out / Change )

Google+ photo

You are commenting using your Google+ account. Log Out / Change )

Connecting to %s


%d bloggers like this: