Mheni

 

benya penya denga gwenya

kutinhira ugwinya hwemakore

aridza chiwepu chegetsi.

kakadzi karume kambunyu

kamhunungira nama nama

pamvura mugore rembe rembe

kwake ndikwake semanja pangoma

vanodana vanotsvagana

panosanganwa, pamakuwerere.

rovai manja vekwaMbunyu

‘Kava! Kava!’ bakajena

denga revakatungamira !

mvura kuifashaidza

muti  uchibikirwa nepamwoyo

pwa ! kuupwataidza.

Munhu: uri  wemvura

kumvura ndokwawakabva

nemadzvinyu nemakarwe

mheni mutungidzafemo

ndiro zai rakasara pasi

denga nepasi husangana.

 .

Farai Madzimbamuto

Gumiguru 2009

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out / Change )

Twitter picture

You are commenting using your Twitter account. Log Out / Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out / Change )

Google+ photo

You are commenting using your Google+ account. Log Out / Change )

Connecting to %s


%d bloggers like this: