Vhunze redenga

 

Tsukadenga segoridhe runyunguduru

Rinoerera kwarinonyura kumawirano

Rongo rembera zuvamuchero waibva

Wamirira kuva mawa kure nevanhu

Venekadenga pfeyo yeuzuru

Vhunze mudota rino tsvukisa rufuse

Kutamba muonekedzo ronofa

Seri kune mvura inodzimura isingavire

Zvamangwana zvimwe, nhasi toyeva

Kumawirira kwava dandaro remavara

Ano piringana nekufashaidzana

Mazwi anoshomeka anoruka oniwa repo

Gare gare kwidiba , nekuruboshe

Asveverera mutambi mukuru aenda

Kwasara kuombera nekukotoka

Nekutenda runako rwuri panyika.

Farai Madzimbamuto

Guriguru 2009

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out / Change )

Twitter picture

You are commenting using your Twitter account. Log Out / Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out / Change )

Google+ photo

You are commenting using your Google+ account. Log Out / Change )

Connecting to %s


%d bloggers like this: